Zimbabwe forum: Jokes - AFCON AFCON AFCON
Share this topic
18 Jan 2015 18:10

Afcon games begin,.. nhamo iya
yatangazve:
Wife: Nhayi baba Dean ibhora ripi
iri?
Husband: IAFCON yemaAfrican
countries!
Wife: Hoo saka ndedzipi
dzaqualifier?
Husband: Dzakawanda kusanganisira
anaGhana, Ivory Coast, Zambia, S
Africa nedzimwewo asi Equatorial
Guinea ndiyo iri kuhoster
Wife: Ko Brazil yadini futi?
Husband: Inga ndati maAfrican
chete!
Wife: Saka kuhoster kune basa here?
Husband: Hakuna but Brazil haisi
muAfrica, paya yanga iri World Cup
Wife: Ok saka World Cup yemuAfrica
vachaita futi ka, pamwe izvozvi team
yaMessi inohwina chete
Husband: Haa imi ndati iAFCON
mhani.. mablack chete arikutamba..!!
Wife: Ah ko avo vanenge varungu
vakutamba vakasangana nevatema, asi
vakatengwa?
Husband: Ehe iSouth, varungu vacho
vakaberekerwa ikoko
Wife: Ko yedu Zimbabwe?
Husband: Horaiti rega ndimbosvika
pabhawa ndiri kudzoka kana bhora
rapera.